/1 Izo zakanga ziri'po kubva pakutanga, zatakanzwa, zatakavona nameso edu, 
zatakatarira, nezatakabata namavoko edu, zeShoko rovupenyu.
Vupenyu bgakaratidzwa, tikabguvona, tinopupura nokukuparidzirai vupenyu 
bgusingaperi, bgakanga bguri kunaBaba, bgukaratidzwa kwa tiri.
Izo zatakavona, nezatakanzwa, ndizo zatinokuparidzirai vo, kuti nemi vo 
muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMnganakomana wake Jesu Kristu.
Zinhu izi tinokunyorerai, kuti mufaro wedu uzadziswe.
Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mngari ciedza, 
hamunerima maari.
Kana ticiti, tinoyanana naye, ticifamba murima, tinoreva nhema, hatiiti 
zokwadi.
Asi kana ticifamba muciedza, saiye ari paciedza, tinoyanana isu; neropa raJesu 
Kristu, Mnganakomana wake, rinotinatsa pazivi zose.
Kana ticiti, hatinezivi, tinozinyengera, zokwadi haizi matiri.
Kana ticizirevurura zivi zedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti 
unotikanganwira zivi zedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.
Kana ticiti, hatina-kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi 
matiri.

/2 Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zinhu izi, kuti, murege kutadza; Kana 
munhu acitadza, tinoMurevereri kunaBaba, iye Jesu Kristu wakarurama.