Shona Luke 2:1-20

Panguva iyoyo Mambo Augusto akapa chirevo chokuti vanhu vake vose vanyorwe mazita avo. Zvino uku ndikwo kwaiva kunyoreswa kwokutanga kwakaitwa apo Kuriniosi akanga ari mutongi wenyika yeSiriya. Vanhu vose vakaenda kundozvinyoresa, mumwe nomumwe achienda kuguta rokwake. Zvino Josefa akabvawo Nazareta ndokuenda Judiya kuguta raDavidi rainzi Beterehema, kwakanga kwakazvarirwa mambo Davidi. Josefa akaenda kuguta iri nokuti aiva werudzi rwaDavidi. Akaenda naMariya waakanga achangobva kutora achida kuroora. Mariya akanga atova napamuviri. Zvino vakati vasvikako, nguva ndokubva yakwana yokuti apone mwana. Mariya akasununguka mwana mukomana, akamuputira namachira ndokumuradzika muya munoiswa kudya kwemombe, nokuti vakanga vashaya nzvimbo mumba yaisvikira vaeni. Munyika iyoyo makanga muine vafudzi vairinda zvipfuwo zvavo usiku. Zvino mutumwa waTenzi akasvika pavakanga vari ipapo, kukaonekwa kupenya kukuru, vafudzi vaya vakatya zvikuru. Asi mutumwa waTenzi akati kwavari, "Regai henyu kutya, nokuti ndauya namashoko akanaka, mashoko anofadza vanhu vose zvikuru. Nokuti nhasi uno muguta raDavidi Muponesi wenyu anonzi Kristu aberekwa. Zvino muchamuziva imi nechiratidzo ichi. Muchaona kana matsvaka, mwana mucheche akaputirwa namachira, avete munodyira mombe." Pakarepo chita chehondo yokudenga chakarumbidza Mwari pamwe chete nomutumwa uya vachiti: "Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, Rugare pasi pano, pakati pavanhu vanofarirwa naMwari." "Kuzoti zvino vatumwa vaya vadzokera kudenga, vafudzi vakatauri rana vachiti, "Varume, ngatiendewo kuBeterehema tindoona ichochi chinhu chanzi chakaitikako nokuti iye Tenzi ndiye atiudza zvinhu izvi." Pakarepo vakabva vakurumidza kusimuka vachiendako, ndokusvikowana Mariya naJosefa nomwana mucheche avete maidyira zvipfuwo. Zvino vakati vachiona uyu mwana vafudzi vakatanga kurondedzera mashoko ose maererano nezviya zvakanga zvaitika kwavari, nezviya zvavakanga vaudzwa nezvemwana uyu. Vanhu vakati vanzwa zvinhu izvi vakabva vashamiswa zvikuru kuudzwa zvinhu izvi navafudzi. Asi Mariya akaramba anyerere zvake achinyatsofungisisa pamusana pezvinhu izvozvi. Shure kwezvo vafudzi vakadzokera kuhwai dzavo vachikudza nokurumbidza Mwari zvikuru, pamusoro pezvinhu zvavakanga vanzwa, nezvavakanga vaona, sokuudzwa kwavakaitwa nomutumwa waMwari.